Proverbs 13

1Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake,
asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
2Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka,
asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.

3Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake,
asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

4Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu,
asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.

5Vakarurama vanovenga nhema,
asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.

6Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka,
asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

7Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu;
mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.

8Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake,
asi murombo haana chinomutyisidzira.

9Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo;
asi mwenje woakaipa uchadzimwa.

10Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete,
asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.

11Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera,
asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

12Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo,
asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.

13Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo,
asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.

14Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu,
rinobvisa munhu pamusungo worufu.

15Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha,
asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.

16Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo,
asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.

17Nhume yakaipa inowira munjodzi,
asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.

18Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa,
asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.

19Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya,
asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.

20Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo,
asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.

21Zvakaipa zvinotevera mutadzi,
asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.

22Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka,
asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.

23Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda,
asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.

24Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,
asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

25Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo,
asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.
Copyright information for SnaBDSC